2 Corinthians 5

1Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika yetende ichiputswa, tine chivakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuitwa nemaoko, isingaperi kumatenga. 2Nokuti nemune iyi tinogomera, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga; 3kana nesu takapfekedzwa hatingawanikwi tisina chatakapfeka. 4Nokuti nesu tiri mutende tinogomera, tichiremerwa; nokuti hatishuvi kukururwa, asi kufukidzwa, kuti chinofa chimedzwe neupenyu. 5Zvino wakatigadzirira chinhu ichochi ndiMwari, wakatipawo rubatso rweMweya. 6Naizvozvo tine ushingi nguva dzose, tichiziva kuti tichiri kumusha mumuviri, tiri kure naIshe; 7nokuti tinofamba nerutendo, kwete nekuona; 8naizvozvo tine ushingi, uye tinofara zvikuru kuti zviri nani kusava pamuviri, uye kuva kumusha naIshe. 9Naizvozvowo tinoedza zvikuru, kana tiri pamusha kana tisiri pamusha, kuti tigamuchirike kwaari. 10Nokuti tese tinofanira kuonekwa pamberi pechigaro chekutonga chaKristu, kuti umwe neumwe agamuchire zvinhu zvaakaita nemuviri, zvichienderana nezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa.

Yananiso iri munaJesu Kristu

11Naizvozvo tichiziva kutyisa kwaIshe tinonyengetedza vanhu, asi tinoratidzwa kuna Mwari; uye ndine chivimbo kuti tiratidzwewo pahana dzenyu. 12Nokuti hatizvizivisizve kwamuri, asi tinokupai mukana wekuzvirumbidza nekuda kwedu, kuti mugone kumirisana nevanozvirumbidza pachiso, kwetewo pamoyo. 13Nokuti kana tichipenga, tinopenga kuna Mwari; kana tiri vanhu kwavo, tiri kwavo kwamuri. 14Nokuti rudo rwaKristu rwunotimanikidza, nokuti tinoona izvozvi kuti kana umwe akafira vese, zvino vese vakafa; 15uye wakafira vese kuti avo vanorarama vachirega kuzozviraramira ivo, asi iye wakavafira nekumukazve. 16Naizvozvo kubvira ikozvino isu hatizivi munhu panyama; uye kunyange kana takaziva Kristu panyama, asi ikozvino hatichamuzivi saizvozvo. 17Kuti kana munhu ari muna Kristu, wava chisikwa chitsva; zvekare zvapfuura, tarira zvese zvava zvitsva. 18Uye zvese zvinobva kuna Mwari, wakatiyananisa naye kubudikidza naJesu Kristu, uye wakatipa shumiro yeyananiso; 19sezvinonzi Mwari wakange achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingavaverengeri kudarika kwavo, akaisa kwatiri shoko reyananiso. 20Naizvozvo tiri nhume pachinzvimbo chaKristu, Mwari saanenge achikumbirisa nesu; tinokumbirisa pachinzvimbo chaKristu tichiti: Yananiswai naMwari. 21Nokuti uyo wakange asingazivi chivi wakamuita chivi pachinzvimbo chedu, kuti isu tive kururama kwaMwari maari.

Copyright information for Shona